Job 40

1Jehovha akati kuna Jobho:

2“Ko, munhu anokakavadzana noWamasimba Ose angamurayira here?
Anopomera Mwari mhosva ngaamupindure!”
3Ipapo Jobho akapindura Jehovha akati:

4“Ini handina maturo, ndingakupindurai seiko?
Ndafumbira muromo wangu.
5Ndakataura kamwe chete, asi handina mhinduro,
kaviri, asi handichapamhidzazve.”
6Ipapo Jehovha akataura naJobho ari mudutu akati:

7“Chizvisunga chiuno somurume;
ini ndichakubvunza,
uye iwe uchandipindura.

8“Ko, iwe unoda kukanganisa kururamisira kwangu here?
Ko, unondipomera kuti uzviruramise here?
9Uno ruoko rwakaita sorwaMwari here,
uye inzwi rako ringatinhira serake here?
10Chizvishongedza zvino nokukudzwa uye nokubwinya,
uye zvishongedze nokuremekedzwa uye noumambo.
11Regedzera ukasha hwehasha dzako,
utarire munhu mumwe nomumwe anozvikudza ugomuderedza,
12tarira murume mumwe nomumwe anozvikudza ugomuninipisa,
pwanya vakaipa ipapo pavamire.
13Uvavige vose pamwe chete muguruva;
ufukidze zviso zvavo muguva.
14Ipapo ini pachangu ndichabvuma kwauri
kuti ruoko rwako rworudyi rungakuponesa.

15“Tarisa kumvuu, yandakaita pamwe chete newe
uye inofura uswa senzombe.
16Simba rainaro muchiuno chayo,
kusimba kwayo kuri mumakakava edumbu rayo.
17Muswe wayo unotsvikidza somusidhari;
marunda ezvidya zvayo akasonanidzwa.
18Mapfupa ayo ipombi dzendarira,
miromo yayo yakaita setsvimbo dzesimbi.
19Iyo iri pachinzvimbo chokutanga pakati pamabasa aMwari,
asi Muiti wayo anogona kusvika pairi nomunondo wake.
20Zvikomo zvinoivigira zvibereko zvayo,
uye zvikara zvose zvesango zvinotambira pedyo nayo.
21Inovata pasi pemiti yemirotasi
yakavanda pakati petsanga munhope.
22Mirotasi inoivanza pamimvuri yayo;
mikonachando iri mujinga morukova inoipoteredza.
23Panozara rwizi, iyo haivhunduki;
inodekara zvayo, kunyange Jorodhani rukapfachukira kumuromo wayo.
24Pano munhu angagona kuibata neziso,
kana kuiteya uye nokuibaya pamhino yayo here?
Copyright information for SnaBDSC